Manifesto Shona

Manifesto Shona

Bumbiro Remadzimai rePEN International

Mutemo wekutanga uye wekutanga weChitsidzo chePEN unoti ‘mabhuku haazivi miganhu.’ Iyi miganhu yakagara ichifungidzirwa semiganhu pakati penyika nevanhu. Kune vakadzi vazhinji vari munyika – uye kune mukadzi mumwe nemumwe munguva pfupi yapfuura zvichida muganhu wakasimba zvikuru waiva mukova weimba yaaigara, yavabereki vake kana imba yemurume wake.

Kuti vakadzi vave norusununguko rwekutaura, kodzero yekuverenga, kodzero yekunyora, vanofanira kuve nekodzero yokufamba mumuviri, mune zvemagariro evanhu uye nepfungwa. Kune masangano mashoma evanhu asingatarisiri nehutsinye mukadzi anofamba ari oga.

PEN inofunga kuti chisimba chemhando dzakasiyana pamusoro pevakadzi mudzimba nemunharaunda zvinokonzera dambudziko rekusungwa kwemashoko. Munyika yose, tsika, chitendero uye tsika zvinowanzokosheswa pamusoro pekodzero dzevanhu uye zvinoshandiswa sezvikonzero zvekukurudzira kana kudzivirira kuipa kune vakadzi nevanasikana.

PEN inotenda kuti chiito chekunyaradza munhu chakafanana nekutora hupenyu hwemunhu. Izvi zvakafana nerumwe rudzi rwekufa. Vanhu vose vanoshuvira ruzivo rwakawanda nekodzero yekutaura kana kuumbwa kwezvinyorwa zvemadzimai.

PEN INOCHERECHEDZA ZVISUNGO ZVINOTEVERA:

  1. KUPEDZA MHIRIZHONGA: Kupedzwa kwemhando dzose dzemhirizhonga muhupenyu hwemadzimai nevasikana kusanganisira mumitemo, hubhinya, pabonde, mukutaura nepamafaro mbozha kana pamhepo; kukurudzira kuvakwa kwehukama munharaunda zvisina bongozozo kuti madzimai nevasikana vakwanise kutaura zviri mupfungwa nemumoyo vakasununguka uye kukurudzira kuti mhirizhonga nekurohwa kwemadzimai nevasikana kuongororwe pamutemo nekuripwa kwemadzimai nevasikana vanenge vawirwa nedambudziko iroro.
  2. RUCHENGETEDZO: Kuchengetadza vanyori vemabhuku nevatapi venhau vechidzimai kune avo vanoda kuvarwisa nekuvafurufusha pasi rose nepamhepo – pamafaro mbozha.
  3. FUNDO: Kupedza dambudziko rekunyimwa kwemadzimai nevasikana mikana yefundo iri pamusoro nenguva yakakodzera yekuverenga nekunyora kuti vazadzise kodzero yavo yefundo.
  4. KUBVISA RUSARURO: Kupa kodzero dzose kumadzimai nevasikana dzakaenzana nedzinopihwa vanhurume pamberi pemutemo. Kubvisa rusaruro rwese nekukurudzira budiriro nepundutso muvanyori vechidzimai.
  5. MIKANA: Kurwisa kuti madzimai vawane mikana munyaya dzemunharaunda, mumatongerwo enyika, muhupfumi nemumagariro netsika kuti vakwanise kubatawo mabasa muzvikamu izvozvo. Kuremekedza nekukurudzira mabasa emadzimai mukutapwa kwenhau nemune zvimwe zvinyorwa. Kuvimbisa nekuvhura nzira dzekuti vakadzi nevasikana vawane rusunguko rwekutapa, kuzeya nekugovera mashoko nezvinyorwa vakachengetedzwa nemitemo inosumudzira kodzero dzekuve nezwi.
  6. YANANISO: Kukurudzira yananiso munyaya dzehupfumi nekusesedza mwera wekuti madzimai anonyora kana kutapa nhau vawane muripo unoenderana nebasa ravange vachiita uyezve wakaenzana neunotambirwa nevarume vanoita basa rakafanana neravo pasina rusaruro.

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *